Baba Percy

Baba Percy

Share

15/06/2026

Tererai Audio kusvika yapera we need your help. Pane Comment yandakaona nezuro mu CS mumwe achiti hapana imwe content here isingataure zveGumbo Rega ndidaire ne this pic and Audio vandinonyanya kuisaira vanhu vakaita saMkoma wangu vari apa kuti vave ne confidence ne life yavo uye vazvitambire kuti hakusi kuguma kwehupenyu kana waremara soo ndine basa revakawanda vandopa motivation vamwe vanotouya inbox vachiti ndafunga kuzviuraya handisisiri chinhu bt ndataura navo vano gainer confidence panyowani wotozoona after 6 months akuti now ndakusimba nokuti ndakazvitambira makaita basa soo ndovanhu vandonyanya kuda kuti vaone ma videos ndichishanda ndichiita zvese. Anwae nhasi ndauya nenyaya yaMkoma wangu v**eiwo Counseling mu Comment section kubva 2018 havasati vazvigamuchira kuti vakatogurwa makumbo soo havasati vane confidence pachavo yokusangana nevanhu and ndoiziva situation iyoyo ndakaiita ini almost 5 months vanhu vachiti vakauya vachida kundiona ndaiti handisi kukwanisa kumuka nokunyara even vanhu vakataura zvausinganzwe unofunga kuti pamwe vakutaura zvehurema wangu vakakunzwira tsitsi unobatikana saka ndovanzwisisa parizvino v**eiwo Counseling mu Comment section vaone kuti movatambira sezvavari vachiri kunyara kutarisana nevanhu even kuti v**e munhu pic ravo vakakuvara havasati vakuzvitambira ndosaka ndavhara iro ravo havasati vazvitambira soo ndibatsireiwo vakwanise kunzwisisa kuti zvakaitika and tovada vakadaro uye hapana chachinja parudo rwakare vanoita Counseling vaye help my bro kubva 2018 havasati vane closure zvonzwisiswa neakapinda situation iyi ahupore mupfungwa ukashaya vanokubatsira soo pliz tikuda mukoma vapinde muvanhu vave ne confidence zvakanaka uye vazvikoshese vazive tovakoshesa thanx kune wese achabatsiraπŸ™πŸ™πŸ™

15/06/2026

Maswera sei hama dzose ndandakusuwai wena kunobviwa kure Flash back 2007 ndaitopisa mazuva ndichinzwa kuti ndini ndakukwanisa kutenga hembe ndega πŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒ

14/06/2026

Kwenyu monzwanana here Varoora naAmwene πŸ™ŒπŸ™ŒπŸ™Œ

14/06/2026

Muri kuona blue Badge here ikokoπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒ

Photos from Baba Percy's post 14/06/2026

Mukaona ndasiya kunamata batai murove Mazuva andaive muchipatara ndaitombo reactor amwe ma Injections funga zvauri kufunga zvichakurapa zvokonzera umwe Hurwere panguva iyi ndakanamata kuti Mwari ndoziva anaChiremba vanorapa nouchenjeri wokudzidza asi apa ndakuda murape murimi nesimba renyu Mwari vakadaira ndakaita stress kuti apa ndikunzwa gumbo ruoko rwakurwadza futi asi Mwari vakadaira. Mapisarema 119 vs 62 πŸ™πŸ™πŸ™

14/06/2026

Nhai munhu akadonedza Mari uchiona ukainhonga ukasamuudza hanti ndokuba kwacho here pindurai pane nharo kuno adonhedza Mari ari kutofamba kuenda ahasati aziva 🫴🫴🫴

14/06/2026

Mozviziva here kuti yaitove part yokupemberera kuti ndakufamba zvakare pandakatanga kufamba ne Artificial leg 🦡 zvaitoita kunge ndisina kubvira ndakafamba life yese ndikatanga ndakura eish marwadziro anoita moyo Kana waifamba ukazorega ndaka experiencer pain yacho haaa ndinonzwa kuda kuchema nanhasi ndikawana munhu ari pa wheel chair or ane ma Crutches asi munamato wangu dai Mwari vakomborera vese vari kuda ma Artificial vawane vanovabatsira vagofamba vachishandira zvakare mhuri nemiwo kumakereke kwamuri kuenda nhasi tiiseiwo pamunamato iwowo chero usiri kuenda nhasi kukereke tinamatire vamwe vedu vane situation dzakaoma tinzwe senge tisu tiri mairiπŸ™πŸ™πŸ™

14/06/2026

Timbokudzorei kumashure

13/06/2026

Vakadzi dzimwe Mari dzedu dzamotidya mukaona padzinobva mogona kutidzosera. Nhasi imboonai ndichibva pasi pemugodhi ndozokuratidzai ndinenge ndichiitei kana ndiri pasi 🫴

13/06/2026

Mabatirwo andakaitwa zvakanaka pakafa my Mommy kaa ndaitoti handichafe ndakanetseka futi bcz everyone was checking on me every minute every second ndaitodyiswa kugezeswa remember ndaive grade 2 kaa ndaitofunga kuti vanhu ava vari kundibata soo dai havo mhamha vakafa kare ndakabatwa zvakanaka soo ko ndaiziva kuti rufu chii panguva yacho ko ipo ndaiziva kuti kubatwa zvakanaka kwe 2 days idzodzo chete eish haaa pakazofamba mazuva ndakashaya kuti vanhu vaye vaivepi nevaiti hapana musiyano mwana sevamwe ndogara naye vachindirwira ndakazombovaona Nherera inoguta musi wafa mai Shuwa πŸ’”πŸ’”πŸ’” asi chishuwo changu now dai ndangozivawo pavakavigwa ndavavakira hangu sezvinoitawo vana vevamwe kuVabereki vavo

Want your public figure to be the top-listed Public Figure in Kadoma?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Website

Address


Kadoma