Inforcentre-Hresouth

Inforcentre-Hresouth

Share

24/08/2021

God is good all the time... Always learn to praise HIM. Hallelujah

30/06/2021

"Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa" Rev 14: 5

Kuti t**i nguwo yatasuka yachena hunge yachena yose zvayo pasisina kaspot kekunongedzera. Pakangoita kaspot tatova nechekunongedzera kana kupomera. Zvimwe chete nesuwo vatendi vanhasi zvizhinji unogona kuzvipedza wakabva pakuipa kwazvo asi pogosarira kamwe kekuti ndiko kachipomero kanozonongedzerwa.

Semuenzaniso munhu anogona kutouya kunaJesu akasiya kuba nemamwe mabasa ose akaipa asi dzimwe nguva kana ari mumwe ogopikira kuti kunyangwe zvakadii tete vaya handitombovajaidze nekuti vangatozoramba vachienderera. Kana ari murume ogototi kana zvikadii handiendese grocery kwanatezvara nekuti kweduwo pavaiva vapenyu wangu anga asingade kuti riende.

Zvino kana zvikadaro pane kari kusaririra tisina kubva pazviri zvose nekusuka zvamazvirokwazvo hatiwaniki pavanhu vari kutaurwa avo kuti havana chavanopomerwa. Zvekare hatisirisu tinenge tichitaurwa kuti mumuromo medu hamuna kuonekwa nhema nekuti nhema dzekuti tinomuziva Mwari dzinenge dzakatozara kana pachine zvimwe zvatisingade kubva pazviri nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

pane zvakaipa zvose tichenese nguwo dzedu zvamazvirokwazvo tive vanhu vanobva panyika pasina chatinopomerwa.

Want your place of worship to be the top-listed Place Of Worship in Harare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Telephone

Website

Address

Harare